Jeremiah 17

1“Chivi chaJudha chakanyorwa nechinyoreso chesimbi,
chakanyorwa nomuromo webwe rakapinza kwazvo,
pahwendefa dzemwoyo yavo
nepanyanga dzearitari dzavo.
2Kunyange vana vavo vanorangarira
aritari dzavo namatanda aAshera
munyasi memiti yakapfumvutira
uye napazvikomo zvakakwirira.
3Gomo rangu riri munyika
uye pfuma yako namatura ako ose
ndichazviendesa kuutapwa,
pamwe chete nenzvimbo dzako dzakakwirira,
nokuda kwechivi chiri munyika yako yose.
4Nokuda kwokutadza kwako, ucharasikirwa
nenhaka yandakakupa.
Ndichakuita muranda wavavengi vako
munyika yausingazivi,
nokuti wakabatidza kutsamwa kwangu,
uye kuchapfuta nokusingaperi.”
5Zvanzi naJehovha:

“Ngaatukwe munhu uyo anovimba nomumwe munhu,
anovimba nesimba renyama
ano mwoyo unofuratira Jehovha.
6Achafanana negwenzi murenje;
haangaoni kubudirira pakunosvika.
Achagara munzvimbo dzakaoma dzemugwenga,
munyika yomunyu isingagarwi nomunhu.

7“Asi akakomborerwa munhu anovimba naJehovha,
akaisa chivimbo chake maari.
8Achafanana nomuti wakasimwa pamvura,
unotuma midzi yawo kurukova.
Hautyi kana kupisa kuchisvika;
mashizha awo anogara ari manyoro.
Haufunganyi mugore rokusanaya kwemvura,
uye haumboshayiwi zvibereko.”

9Mwoyo unonyengera kupfuura zvinhu zvose,
uye wakaora chose.
Ndiani angauziva?

10“Ini Jehovha ndinonzvera mwoyo
uye ndinoedza ndangariro,
kuti ndipe munhu zvakaringana namafambiro ake,
uye zvakafanira mabasa ake.”

11Sechikwari chinochochonya mazai achisina kukandira,
ndizvo zvakaita munhu anowana pfuma nokusarurama.
Pakati pamazuva ake, zvichamusiya,
uye pakupedzisira achazviona kuti ibenzi.

12Chigaro choushe chinobwinya, chakanga chakasimudzirwa kubva pakutanga,
ndicho nzvimbo yedu tsvene.
13Imi Jehovha, tariro yaIsraeri,
vose vanokusiyai vachanyadziswa.
Vose vanotsauka kwamuri vachanyorwa muvhu,
nokuti vakasiya Jehovha,
chitubu chemvura mhenyu.

14Haiwa Jehovha, ndiporesei, ipapo ndichaporeswa;
ndiponesei, ipapo ndichaponeswa,
nokuti imi ndimi wandinorumbidza.
15Vanogara vachiti kwandiri,
“Shoko raJehovha riripiko?
Ngarizadziswe iye zvino!”
16Handina kutiza pakuva mufudzi wenyu;
munoziva kuti handina kushora zuva rokupera kwetariro.
Zvinobuda mumuromo mangu zviri pachena pamberi penyu.
17Musava chinhu chinotyisa kwandiri;
ndimi utiziro hwangu pazuva renjodzi.
18Vatambudzi vangu ngavanyadziswe,
asi ini ndidzivirirei pakunyadziswa;
ngavavhunduswe ivo,
asi ini ndidzivirirei kuti ndisavhunduswa.
Uyisai pamusoro pavo zuva renjodzi;
vaparadzei nokuparadza kwakapetwa kaviri.

Kuchengeta Sabata rive Dzvene

19Izvi ndizvo zvakataurwa naJehovha kwandiri: “Enda undomira pasuo ravanhu, panopinda nokubuda namadzimambo eJudha; ugondomirazve pane mamwe masuo ose eJerusarema. 20Uti kwavari, ‘Inzwai shoko raJehovha, imi madzimambo eJudha navanhu vose veJudha navose vanogara muJerusarema vanopinda napamasuo aya. 21Zvanzi naJehovha: Zvichenjererei kuti murege kutakura mutoro nomusi weSabata kana kuupinza napasuo reJerusarema. 22Musabudisa mitoro mudzimba dzenyu kana kuita basa ripi neripi pazuva reSabata, asi chengetai zuva reSabata rive dzvene, sezvandakarayira madzitateguru enyu. 23Asi havana kunzwa kana kurereka nzeve dzavo; vakava nemitsipa mikukutu uye havana kumboteerera kana kugamuchira kurayirwa. 24Asi kana mukachenjerera kuti munditeerere, ndizvo zvinotaura Jehovha, mukasauya nemitoro napamasuo eguta iri nomusi weSabata, asi muchichengeta zuva reSabata kuti rive dzvene nokusaita basa ripi neripi pazuva iroro, 25ipapo madzimambo anogara pachigaro choushe chaDhavhidhi vachauya napamasuo eguta namachinda avo. Ivo namachinda avo vachauya vakakwira ngoro namabhiza, vachiperekedzwa navarume veJudha navose vanogara muJerusarema, uye guta rino richagarwa nokusingaperi. 26Vanhu vachauya kumaguta eJudha uye nokumisha yakapoteredza Jerusarema, kubva kunyika yeBhenjamini nokujinga rezvikomo zvokumavirira, nokunyika yemakomo uye nokuNegevhi, vachiuyisa zvipiriso zvinopiswa nezvibayiro, uye zvipiriso zvezviyo, nezvinonhuhwira nezvipo zvokuvonga kuimba yaJehovha. 27Asi kana mukarega kunditeerera kuti muchengete zuva reSabata kuti rive dzvene, musingaregi kutakura mutoro pamunopinda pamasuo eJerusarema nezuva reSabata, ipapo ndichabatidza moto usingadzimwe mumasuo eJerusarema uchapedza nharo dzaro.’ ”

Copyright information for SnaBDSC